Matsiko Kuna Kristu

1/14

MATSIKO KUNA KRISTU

MANZWI EKUTANGA

Zita re buku iri rinotaura basa raro. Rinonongedza kuna Jesu sa iye chete angagone kuwana zvino shaikwa ne mweya, nekutungamira tsoka dze anopokana ne akamira “munzira ye runyararo.” Rinotungamira mutsvaki we kururama, tsiko ne tsiko, munzira ye upenyu we uKristu, mukuzara kwe zvikomborero zvino vanikwa mukuzvipira kwakaperera ne rusimbiro rusinga tenbeki mutsitsi dzinoponesa ne musimba rinochengeta re Shamwari ye va nyangadzi. Rudzidziso runovanikwa mumatsamba aya rwa unza rugare ne rusimbiro kune mweya mizhinji inotambudzika, rwaita kuti vateweri va Tenzi vafambe nerusimbiro ne rufaro rwakatutsirwa mumatsiko e Mutungamiri vavo vekudenga. Tinokarira kuti richatakura soko irori zve kune vamwe zve vazhinji varikushaya rubatsiro urwu. MKK 3.1

“Ipapo nzira ngai vonekwe,
Matsiko anokwira kudenga.”
MKK 3.2

Zvakange zvakadaro kuna Jakobe, apo, akange abatwa nekutya kuti chitema chamugura kubva kuna Mwari, akarara pasi kuzorora, aka rota, akaona danho rakamisva pasi, kumusoro kwaro kwayisvikira kudenga.” kusangana kwe pasi ne denga kwakapangidzwa kuna iye, mazvi ekunyaradza akataurwa kune mufambi uyu na iye akange amire pamsoro pe mumvuri we danho. Dayi chiratidzo chekudenga chika pangidzwavo kune vazhinji apo vanonga vachiverenga nyaya iyi ye nzira ye upenyu. MKK 3.3

NE Vaparadziri