Matsiko Kuna Kristu

2/14

RUDO RWA MWARI KUNE MUNHU

ZVAKASIKWA nezvakaratidzwa zvese zvinopupura ne rudo rwa Mwari. Baba vedu wari kudenga ndivo mavambo e upenyu, e ungwaru, nerufaro. Nangisa kunaka ne kushamisa kwe zviro zvakasikwa. Funga ne kurovedzera kwazvo nerufaro kwete rwe munhu chete, asi ne rwe zvimwe zvisikwa zvinopona. Kujeka kwezuwa ne mvura zvinofadza nyika nekuita ive itsva, zvipukutu ne nyanza ne mapani, zvese zvinotiudza nge rudo rwe Musiki. Ndi Mwari anopa zvese zvinonga zvichi shaikwa ne zvisikwa zvake. Mumazvi akanaka emuimbi, MKK 5.1

“Maziso ese anonangisa kwamuri
Munovapa zvekudya zvavo panguva yakafanira.
Munotambanudza ruvoko rwenyu,
Muchi gutsa zvisikwa zvese.” Ndwiyo 145:15, 16.
MKK 5.2

Mwari akasika munhu akaperera arimutsvene achifara; ne pasi rakanaka apo rakabva muruvoko rwe Musiki rakange risina vara re kuvora kana mumvuri we chituko. Kutyora mutemo va Mwari — mutemo we rudokwaka unza dambudzo ne rufo. Asi kana ne pakati pekutambudzika pamsana pechitema, rudo rwa Mwari runopangidzwa. Kwakanyorwa kuti Mwari akatuka pasi pamsana pe munhu. (Gen. 3: 17.) Munzva ne feso matambudziko nekuedzwa zvinoita kuti upenyu uhu huve hunonetsa kwazvo ne hwe kuchenjerera — zvakaitirwa kumubatsira, sedivi re zano ra Mwari reku dzidzisa kuti amusimudze kubva mukunyangadzwa ne mukudzikira uko chitema chakaunza. Pasi, kana rakaputsika zvaro, harina kuzara urombo ne rushambwa basi. Mune zvakasikwa mune masoko e rusimbiro nerunyaradzo. Pamafeso pane maruva, ne minzwa vo izere maruva. MKK 5.3

“Mwari rudo” zvakanyorwa pa pfumvudza dzese, pamsoro pe uswa hwese hunomera. Shiri dzakanaka dzino ita mweya wese uzare ne nzviyo dzadzo dze kufara, tumaruva tuduku mukuperera kwatwo tuchizadza mweya wese nemunhuwi vakanaka, miti miuru ye sango nemashizha ayo anopona akasvipira zvese zvino- pupura kuchengeta kunyoro kwa baba Mwari wedu, nekuda kwake kuti afadze vana Vake. MKK 5.4

Izvi ra Mwari rinopangidza chimiro Chake. Iye pachake mbune akadaidzira rudo Rwake nemutsa zvisina muganho. Apo Mozisi akanamata, “Ndiratidzei mbiri Yenyu,” Jehova akapindura, “Ndichapfuudza kunaka kwangu kwese pamberi pako. Eksodo 33: 18, 19. Iyi ndiyo mbiri Yake. Jehova akapfuura pamberi pa Mozisi akati, “Tenzi, Tenzi Mwari uzere nyasha ne ngoni, anonoka kutsamwa, azere kunaka neidi anochengetera zvuru zve mazana nyasha dzake, anoregerera zvakaipa nekutyora mutemo kwavo ne zvitema zvavo.” Eksodo 34: 6, 7. Anononoka kutsamwa, anemutsa mukuru” (Jona 4: 2), “ngekuti anofarira munyasha.” Mika 7: 18. MKK 6.1

Mwari akasungira mwoyo yedu kwaari ne zvizhinji zverudo kudenga ne pasi. Kubudikidza ne zvisungo zve zvakasikwa, ne zvimwe zvakadzama ne zvaka nyorova izvo mwoyo ye wanhu ingazive, akatswaka kuzvipangidza kunesu. Asi izvi zvinopangidza ne kusaperera rudo Rwake. Kana zvese izvi zvakapiwa, mhandu ye kunaka yakapofomadza mitondero ye vanhu, ndizvo vakanangisa kuna Mwari ngekutya; vakafunga naye semukukutu kwazvo asingaregereri. Satani akatungamira vanhu kuti vafunge na Mwari se munhu mukukutu, mutongi ane hasha mutsivi akaoma. Akaita mufananidzo ve Musiki seaneziso rine shanje kucherechedza zvitadzo nekukanganisa kwa vanhu, kuti aunze rutongo pamsoro pavo. Kwakange kuri kubvisa mumvuri uyu nekupangidza ku pasi rudo rwa Mwari rusina muganho, zvasaka Jesu akauya kuzo gara pakati pe vanhu. MKK 6.2

Murumbwana va Mwari akauya kubva kudenga kuzo pangidza Baba. “Hakuna munhu akamboona Mwari; kana inguvayi Murumbwana mumwe vakabarwa, ari munhasi ma Baba ndiye vakamuziwisa.” Johane 1: 18. “Hapana munhu anoziva Baba asi Murumbwana, ne uyo, Murumbwana anomuvonisa kuna Iye.” Mateyu 11 : 27. Apo mumwe ve vadzidzi akakumbira kuti, “Tivonesi Baba.” Jesu akapindura, “Ndakagara nguwa huru newe, asi hawusati vandiziwa here Filipe? Uyo wakandioria Vakaona Baba, vataura senyi kuti tionise Baba?” Johane 14: 8, 9. MKK 6.3

Mukutsanangura ufundisi hwake hwe pasi, Jesu akati, Tenzi Vakandizora kuti ndiraurire Varombo vangeri; vakanditumira kuti ndirape vane shungu mumwoyo, kurawura rusununguro kune vasungwi, nekuita mapofu avone, nekusunungura avo vakatswanyiva.” Ruka 4:18. Iri rayiwe basa Rake. Ayifamba famba achiita zvakanaka, achirapa vese avo vakadzimbirirwa na Satani. Kwakange kwawe ne mimwe misha umo kwakange kusingachanzwikwi kugomera kwe varwere kana mune ipi imba, ngekuti Akange apfuura nemo, achirapa vese vanorwara vavo. Basa rake rakapa umbowo hwe kuzorwa kwake kwe kudenga. Rudo, ngoni, nekunzwira zwese zvayi pangidzwa mukuita kwake kwese kwe upenyu hwake; mwoyo Vake vakange uyine tsitsi kune wana ve vanhu. Akatora chimiro che munhu kuti asvikire zvese izvo munhu anoda. Varombo vekugumisira ne vakadzikira vakange vasingatyi kusvika paari. Kana vana vaduku vayikwewerwa kwaari. Vachida kukwira pamsoro pe mabvi ake, vachinangisa kumeso kwake kune kufunga kukuru kwakatiwiswa nge rudo. MKK 7.1

Jesu haana kudzimbirira izwi rimwe rechokwadi, asi ayi ritaura nguva dzese ne rudo. Ayingwarira ne kufunga, nekucherechedza zvakanaka, mukusangana kwake ne vanhu. MKK 7.2

Akange asingashiwi, akange asingatauri izvi rine simba asina kufanira, akange asinga rwadzisi mweya we vamwe. Hana kushora kunyorowa kwemunhu. Ayitaura idi, asi nguva dzese mu rudo. Akashora uzviitisi, kusadawira, kuipa, asi misodzi yakange iri mumaziso ake apo akange achitaura mazvi Ake anorwadza aya ekutseura. Akachemera Jerusarema, guta iro Ayida, rakamba kumugashira Iye, nzira, idi, ne upenyu. Vakamuramba, Iye Muponesi, asi akava nzvira tsitsi dzine urombo. Upenyu hwake hwakange hwuri hwekuzviramba ne pfungwa dzekuchengeta vamwe. Mweya wese wayikosha pameso pake. Apo ayifamba ngechiremero chekudenga, Akakotama kune vese ve mhuri ya Mwari nge mutsa munyoro. Mukati me vanhu vese ayi vona mweya yakaputsika inova ndiro rakange riri basa rake rekuiponesa. MKK 7.3

Ichindicho chimiro cha Kristu sekupangidzwa kwacho mu upenyu hwake. Ichi ndicho chimiro cha Mwari. Ndwizi dze mutsa wekudenga, dzinopangidzwa muna Kristu dzinobva mumwoyo wa Baba dzichi werera kuenda kune vana ve munhu. Jesu, munyoro, Muponesi anemutsa, akange ari Mwari “akapangidzwa munyama.” 1 Timoti 3: 16. MKK 7.4

Jesu akapona akatambudzika akafira kununura isu. Akava “Munhu veurombo” kuti tive vakoverani we rufaro rusingaperi. Mwari akabvumira Murumbwana vake anodiva, azere nge tsitsi ne idi, kubva kunyika ine mbiri isinga tauriki kuuya kupasi rakanyangadzwa ne kuparadzwa ne chitema, rakasvipiswa ne mumvuri we rufu ne chituko. Akamubvumira kuti abve pasi pe rudo Rwake, kusiya rukudzo rwe ngirosi, kuzo nyadziswa, ne kusvoteswa, nekuderedzwa, ne kuwengwa, ne rufu. “Kupangirwa kwe runyararo rwedu zvakava pamusoropake; nekurohwa kwake takarapwa.” Isaya 53: 5. Onai ari mugwenga, mu Gethsemane, ne pamchinjiko! Murumbwana Va Mwari asina vara akatora pamsoro pake mutoro ve chitema. Iye akange ari umwe na Mwari akanzva mumweya wake kuipa kwekutsaukaniswa uko chitema chinoita pakati pe munhu na Mwari. Izvi zvakasvina mazvi kubva pa muromo Wake ekuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirenyi ko?” Mateyu 27: 46. Vakange uri mutoro ve chitema, kuziva kwe ukuru hwacho hunotyisa, nekutsaukanisa kwacho mweya kubva kuna Mwari ndizvo izvi zvakatyora mwoyo we Murumbwana va Mwari. MKK 8.1

Asi uyu mupiro mukuru hauna kuitirwa kuti kuvumbwe rudo rwemunhu mu mwoyo va Baba, kusi kumuita ade kuponesa ba. Kwete, kwete! “Mwari akadisa pasi kwazvo, ndizvo akapa Murumbwana Vake mumwe vakabarwa.” Johane 3: 16. Baba va notida pasiri pamsana pechipiro chekutidzosa kwaari, asi akaita ichichipiro pamsana pekuti anotida. Kristu ndiye nzira iyo kuburikidza nayo akadururira rudo rwake rusinga gumi, kune pasi rakaputsika. “Mwari wakange arikudzorera pasi kuna Iye kubudikidza na Kristu.” 2 Wakorinte 5: 19. Mwari akatambudzika pamwe ne Mwanakomana Vake. Mukurwadziva kwe Gethsemane, kufa kwe pa Kalivari, mwoyo we rudo rusinga gumi rwakaripa mutengo we ruponeso rwedu. MKK 8.2

Jesu akati, “Ndizvozvo Baba vangu anondida, ngekuti ndino radzika upenyu hwangu, kuti ndizo hutora zve.” Johane 10: 17. Uku ndiko kuti, “Baba vangu, akakudayi zvakadaro, zvekuti anondida zvakanyanya ngekupira upenyu hwangu kununura imwi. Mukuwa panzvimbo yenyu ne mutsidziri vekuripa mingava yenyu, ngekuzvipira upenyu hwangu, nekutora mingava yenyu, ne zvinyangadzo zvenyu, ndave mudikanwi kuna Baba vangu: nge kuti ngekuzvipira kwangu Mwari anogona kururamisa, asi ari mururamisi veuyo anodawira kuna Jesu. MKK 8.3

Hapana mumwe kunze kwe Murumbwana wa Mwari angagone kupedzisa zve ruponeso rwedu, ngekuti Iye chete akange aripetyo na Baba angagone kumutaura pachena. Iye chete ayiziva kureva nekudzama kwe rudo rwa Mwari angagone kuruvonesa. Hapana chimwe kunze kwechipiro chisina magumo chakaitwa na Kristu kuyitira munhu akaputsika chinga gone kupangidza rudo rwa Baba ku vanhu vakarasika. MKK 9.1

“Mwari akadisa pasi kwazvo ndizvo akapa Murumbwana Vake mumwe vakabarwa. Haana kumupira kuti agare pakati pe vanhu chete, asi kuti atakure zvitema zvawo, afe semupiro vavo, Akamupira kune rudzi rwakaputsika. Kristu aizozvipangidza nezvido nezvinofadza vanhu. Iye akange ari umwe na Mwari azvisanganisa ne vana ve vanhu ne zvisungano zvisingazodimbukizve. Jesu “haanyari kuvadaidza kuti hama.” Maheberu 2:11. Ndiye Mupiro vedu, Mumiriri vedu, Hama yedu, anota kura mamiriro edu eunhu pamberi pechigaro cha Baba, kubudikidza mumakore asinga peri anozova umwe rudzi urwo akanunura Mwanakomana ve munhu. Zvese izvi kuti munhu asimudzirwe kubva mukunyangadzwa nekudzikisirwa ne chitema, kuti atore rudo rwa Mwari, nekukowerana rufaro rwe utsvene. MKK 9.2

Mutengo vakaripirwa ruponeso rwedu, mupiro usingaperi va Baba wedu wekudenga mukutipa Murumbwana wake kufira isu, zvakafanira kutipa pfungwa dzakasimukira dze zvotichava kuburikidza na Kristu. Apo mupostori Johane akasvikirwa akaona urefu, kudzama, kufanza kwe rudo rwa Baba kune rudzi rurikuparara, aka zara ne mweya wekukudza kuremekedza; zve, ngekushaya, mutauro vakafanira kutsanangura ukuru ne kunyorova kwe urwu rudo akadaidzira kune nyika kuti iruone. “Wonanyi rudo rwakadari urwo takapiva na Baba kuti tinzvi vana va Mwari.” 1 Johane 3:1. Izvi zvinopa kukosha kwakadini ku munhu! Kuburikidza nge kutyora mutemo. Vana ve munhu vakava pasi pa Satani. Kuburikidza nge rudaviro mu chipiro chinochenura cha Kristu, vanakomana va Adamu vave vanakomana va Mwari. Ngekutora chimiro che munhu Kristu akasimudzira munhu. Vanhu vakaputsika vanoiswa apo, kubudikidza ne kusangana na Kristu, vanga fanire zita rekuti “Vanakomana va Mwari.” MKK 9.3

Rudo rwakadaro haruna chinofanana narwo. Vana va Mambo vekudenga! Chitsidzo chinokosha! Chiro chikuru chekufunga nacho zvakadzama! Rudo rwa Mwari rusinga enzaniswi kupasi rakange risinga mudi! Pfungwa ine simba pamsoro re Mweya, inoita mutondero muubatwa mukuda kwa Mwari. Kana tichi dzidza zvikuru nechimiro cheve denga mukujeka kwe muchinjiko, ndipo tinowona zvakanyanya, kuona pachena umbowo vusinga wcrengeki hwerudo rusingaperi, nengoni dzakapfawa kupinda dza mai kune mwana wake anemisikanzwa. MKK 10.1