KURWISANA KUKURU

1/43

KURWISANA KUKURU

NHANGANYAYA

UNOGONA KUNGE UCHISHAMISIKA, “kuti kana Mwari akanaka zvechokwadi, ko ngeyi nyika iri muchimiro chairi?” Uyu mubvunzo une mhinduro shoma kwazvo dzinogutsa. KK 1.1

Nguva dzakaoma hadzibati nokusvikira nyika huru dzine simba rakakura mune zvematongerwo enyika bedzi, asi dzinonanaviravo nokusvikira mhuri imwe neimwe nomunhu mumwe nomumwe mupasi rino rose. Kana zvakaipa zvichiita sezvinokurira avo vose varikuzama kuita zvakanaka nesimba ravo rose, tinova nemibvunzo: Chii chaizvo chiri kumboitika? “Tichazombofa takaona nzira yokupedza matambudziko here?” Zvakanaka zvichasvikavo pakukunda nokukurira here? Kune ramangwana rakakosha kuraramira here? KK 1.2

Iri bhuku rawakabata mumaoko ako nhasi rinogona kuve kutangisa kwako kuwana mhinduro yakajeka. Pakutanga kwaro kunyorwa mumakore anopfuura zana adarika, bhuku iri chakava chinyorwa chinonyanyisa kukosha chaibatsira vanhu mukati menguva dzeshanduko huru muhupenyu hwavo. Kunyangwe munguva dzepasi rino dzizere zvizhinji zvisinganzwisisiki, bhuku iri rinoramba riine mashoko anobatsira. KK 1.3

Uchakwanisa kuona humbowo hunobva muMagwaro Matsvene nemunhorondo hunotaridza kuti nyika ino inotaridzwa senhandare inorwira masimba ose pasi rese nemasimba ezvemuchadenga muhondo huru pakati pezvakanaka nezvakaipa. Ndizvo saka musoro wenyaya webhuku kana zita richinzi Hondo Huru. Kune mazita maviri, ose achiwanikwa mumagwaro matsvene anoti Kristu—uyo anomiririra zvose zvakanaka naSatani anova muvambi nekunotangira zvakaipa. Ava vaviri ndivo vanotora zvinzvimbo zvepamberi muhondo iyi. Kana ichienzaniswa nomutambo, tinoona paine boka revatambi mumazana akawanda kusanganisira maKristu okutanga-tanga vaiva vatungamiriri kukereke, uye pamwe nevashumiri veshanduko yokururama saana Martin Luther naana John Huss. KK 1.4

Zviri mubhuku iri haizi mitamba kana ngano dzokunyepedzera. Mumapeji ebhuku iri uchawana nenzira inoshamisa tsananguro yakazara uye yakajeka maererano nezviri kunyatsoitika munyika nezvemuchadenga. Uchadzidzavo kuti Zvakazarurwa, rinova bhuku rokupedzisira muBhaibheri, rinobatanidza nhorondo nechiporofita pamwechete nenzira inokurudzira zvikurusa, richipawo nharaunda yakavimbika kwete kune zvakaitika kare bedzi asi nekune zvichaitika. Rinotsanangura zvinoenda mberi kupfuura matambudziko ari kusanganikwa nawo munyika nhasi richinotipa mufananidzo mukuru wezvirikuitika kuseri kwezvatirikuzoona zvichiitika muhupenyu hwedu, tobva tapihwa mhinduro kumibvunzo yedu mizhinji inotanga nokuti “Ngeyi?” KK 1.5

Mukati me bhuku iri uchawana nheyo dzedingindira guru rerumutsiriro rwokururama—richibata kuti hakuna kana munhu mumwe, vatungamiriri munezvekunamata kana vatungamiri venyika uye hakunazve bandiko romunhu akazvimiririra kana ravanhu vazhinji uye Sangano kana nyika ichamira panzvimbo yeShoko raMwari mupasi rino panhau dzokuzvifungira nokuzvinamatira kwomunhu iye amene. Zviri kumunhu pachake kuti asarudze zvokutenda kwake asina anomumanikidza mundangariro. KK 1.6

Munyori webhuku iri ndi Ellen White, uyo ane mabhuku anopfuura zana namakumi matatu akatonyorwa parizvino. Rimwe ramabhuku ake diki rinokurudzira zvikuru mukunanata, Matsiko Kuna Kristu, rakaturikirwa mundimi dzinosvika makumi mana. KK 2.1

Imwe tsika yakakosha ya Ellen White muzvinyorwa zvake, kushandiswa kweMagwaro matsvene zvakanyanya. Pakutanga kwaro kunyorwa nokupakurirwa kuvanhu mugore ra 1888 uye nomukuridzokorora, bhuku iri Hondo Huru rine zvaraitora zvakawanda nezvarainongedzera kubva kumhando yeBhaibheri: King James Version iro raiva namanzwi uye mitsara yekare yaishandiswa makore mazana mana akanga akadarika. Manzwi aya ainetsa kunzwisisa nhasi. KK 2.2

Ikozvino wakabata mhando itsva yebhuku Hondo Huru, riine zvinyorwa zva Ellen White zvose zvizere pasina chiri kushaikwa, asi paine kuvandudzwa kwakaitwa kune zvakatorwa kuBhaibheri zvizhinji zvikuru sei kubva ku New King James Version. Kuwedzera panezvizvi, uchawana mapeji gumi nematanhatu ane mifananidzo inemavara ichibetsera kutsanangura zvaiitika munhorondo sezvazvinotsanagurwawo mubhuku iri. KK 2.3

Nokudaro tinokukokavo kuti upinde parwendo urwu rwunokwezva chido uchipinda munhorondo yechiKristu namaKristu okutanga-tanga uye kuti upinde mune ramangwana rakaporofitwa nendangariro dzakazaruka. Tinonamata kuti ichi chinyorwa chakakosha ichi chitsva, Hondo Huru, chichakutungamirira pakudzidza Bhaibheri zvakadzama, uye nokuona zvakaperera chiratidzo nemufananidzo wechinangwa chaMwari kupasi rino uye nokuupenyu hwako. KK 2.4

(VaPepeti) KK 2.5