Tariro Huru

7/76

Chitsauko 2—Tariro Yerukuriro Pamusoro Pezvakaipa

” Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo ruchapwanya musoro wako newe uchapwanya chitsitsinho charwo”( Gen 3:15). Ruvengo urwu haruzi rwepanyama chete sokuziva kwatinoita ruvengo. Apo munhu akadarika murairo wedenga, hunhu hwake nezvaari zvakabva zvava zvakaipa zvichiwirirana naSatani. Ngirozi dzakawa uye munhu akaipa, zvakabatana muhukama hwekuvavarira. Dai Mwari asina kuzopindira Satani nemunhu vaingadai vakaita chisungo kuti vamukire denga uye mhuri yese yemunhu yaingadai yakabatana nekupesana naMwari. TaH 16.1

Apo Satani akanzwa kuti ruvengo runofanira kuvepo pakati pake nemukadzi, nepakati porudzi rwake nerudzi rwemukadzi, akaziva kuti neimwe nzira munhu aizobatsirwa kupikisa simba rake. TaH 16.2